[go: up one dir, main page]
More Web Proxy on the site http://driver.im/Svetuka kuchirochemo

Banda

Kubva Wikipedia
  • Banda reTafura apa kureva gumbo reTafura.
  • Banda reKuvakisa kana mutomba (1. one of three stout poles that support roof of hut; 2. principal roof support pole; 3. strong pole holding roof) apa kureva bango gobvu rakamira rinotakura denga remba. Pahuwandu toti mapanda.
  • Banda (funeral bier) apa kureva banda rinotakurirwa chitunha kana bhokisi remufi.
  • Banda (compartment; one of the parts or spaces into which an area is subdivided).
  • Banda kana mapanda (Mortar for stamping grain) apa zvichireva duri.
  • Banda (Gentle slope) apa kureva mutserendende kana materu asina kuita mawere.
  • Banda (First wife of chief) apa kureva mudzimai wekutanga waShe - vahosi.
  • Banda sezita (n. a family name).
  • VaMaconde vanoti chipanda (n. pillar) vachireva banda rekuvakisa.
  • Kikongo inoti banda (v. to ascend, climb, go up a hill). Mamwe mazwi: banda (n. a cap). Bandama (v. begin).
  • Kimbundu vanoti kubanda (v. climb, rise, ascend, go up, come up) kureva kukwira.
  • Kikongo vanoti banda (v. to bespeak, make a choice, choose, select, ask for, engage).



Zanhi rinori ndere kutsauranisa chirevo, rino dorongotsa sipwi dzine matumidzo akafanana.
Kana kochekedzo yorukati yakuunzai pano, ringai matumidzo akadorongotswa pamusoro apo kuti muwane ramunoda uye mukwanise kuenda kwariri.