[go: up one dir, main page]
More Web Proxy on the site http://driver.im/Svetuka kuchirochemo

Jenjazi

Kubva Wikipedia
Chirwere che Jenjazi
Mamwe mazita chirwere che pakinsoni
Ilustiresheni ye Jenjazi na William Richard Gowers (1886)
Bazu re sainzi: Ruambanyuro / Unenanyuro
Masimputomu
  • Nhetemwa
  • kukukuta
  • Kuhamba zviporepore
  • kukona kufamba
Ma-Complication
Kutanga Zera 60 nepamusoro
Chikonzero Hachizivikanwi
Fekita ye njodzi
  • Pesticide exposure,
  • kukwadzwa kwemsoro
Mutowo werumbondero zvichienderana nemasimputomu
Rumbondero ruri

Differential

  • Urashakumbuko ne mwiri-Lewi,
  • progressive supranuclear palsy,
  • essential tremor
  • antipsychotic use
Kurapa Mishonga, sejari
Mishonga L-DOPA, maagonisti edhopamini
Rumbonderamberi

(prognosis?)

tarisiro ye ndaramo inoti makore 7–15
Rudido 6.2 miriyoni (2015)
Ndufu 117,400 (2015)

Jenjazi (Chingezi: Parkinson's Disease, PD) kana Chirwere cheJenjazi chirwere cheuropi chisinga rapike. Chiratidzo chikuru chechirwere ichi ndechekuti murwere anenge achi jenjemera kana kuti kugwagwadza zvakanyanya asina zvaano kwanisa kuita nazvo. Kujenjemara kwacho kwunoitika nguva dzose.

Jenazi chirwere chechinguvarefu kureva kuti chinogarisa nguva yakareba kana hupenyu hwose hwemunhu, chiri mubazi re zvirwere zvinonzi hosha ye dhijeneritivhi (degenerative disorder) uye chinotambudza Udzira Mutandi Wepakati (CNS) rinonyanyisa kubata mutandira we uhamba.

Masimputomu anowanzo buda zvishoma nezvishoma, uye nekunyanya kwechirwere, masimputomu asiri e mtandira we mota anowonekawo. Masimputomu anotanga kuoneka inhetemwa, rigidity, uporepore we uhamba, uye kukona kutaura. Matambudziko e ungwaru ne maitiro anogona kuitikawo futi, pamwe ne vufukamoyo, netsekanohuru, ne vushayashungu zvese zvinoitika muvanhu vane jenjazi. Hurivari kana urashakumbuko hwe jenjazi runooneka nekuenderera kwe masteji echirwere chacho. Avo vane jenjazi vanogonawo kunetsekana nemitandira yekurara ne kusensa. Masimputomu emota echirwere anopedzisira akonzeresa rufu rwe nyere mu substantia nigra, rhijoni yepakati pehuropi, zvichiita kuti dhopamini ipunguke. Rufu rwenyere dzacho hanunyatsonzwisiswa, asi unosanganisa kuunganidzwa kwe mapurotini asina kupeteka-kwazvo mumwiri ye Lewi mumanyuroni. Pamwe chete, masimputomu emota makuru anozivikanwa wo se ujenjazi (parkinsonism) kana dovodzano ye Jenjazi.

Mazwi ashandiswa

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]